Ngoma dzaVaNdau
Ngoma dzaVaNdau zvinoreva kuti mimhanzi yaVaNdau, avo vanova vanhu vanogara maodzanyemba eZimbabwe kupinda muMozambique, kunyanya mumatunhu eChimanimani neChipinge. Vasinamabvi pavakabvakachira munyika idzi vachiuya kuzorima nekutendeutsa vanhu kuchitendero chechiKristo, vakadzingirira VaNdau kuvavharira mumaruzevha umo mavakavatorera rusununguko rwavo panyaya dzekuzvitonga, kuzvitsvakira raramo uye magariro avo. Vapambepfumi vakatanga zvekare kutsikirira tsika nemagariro eVaNdau kubudikidza nekuparadza uye kutapa zviridzwa zvaVaNdau. Vazhinji vasina kugona kutiza vapambepfumi vakamanikidzwa kutendeukira kuchiKristo uye kuti vasiye mimhanzi yavo, tsika uye magariro avo. Kunyangwe hazvo VaNdau vari rudzi rwudoko munyika yeZimbabwe, vagari vemuZimbabwe vanoyevedzwa kwazvo nemutauro uye tsika dzakashongeka dzechiNdau. Nokuda kweudzvanyiriri panguva yevapambepfumi uye kutarisirwa pasi panguva yerusununguko, tsika dzechiNdau dzave kumanikidzwa kushanduka kuva dzechizvino-zvino kana kuti dzivonekwe sokunge dzakafanana nedzechiShona.
Kunyangwe zvimhingamupini izvi zviripo, sekuru Solomon Madhinga (avo vatinoti sekuru kuti tiremekedze udzamu hweruzivo rwavo) vakadzidzira kunatsira zviridzwa uyewo kuimba nziyo dzavaNdau kubva kunababa vavo. Iko zvino ndivo vave mazvikokota pakugadzira zviridzwa uye kuridza mimhanzi yaVaNdau yepasichigare kwavanogara kuChipinge. Sekuru Madhinga ndivo mumwe wevanhu vashoma vasara vanochengetedza Ngoma dzaVaNdau, uye tinofungidzira kuti ndivo voga mugadziri wembira dzaVaNdau, ngom dzembongo netangi, uye zviridzwa zvakaita sechizambi, chimwandigoda uye chitende. Vanodzidzisawo mitambo yakaita seMuchongoyo, Chokoto uye Mbongo iyo yave kutsakatika. Chero hazvo varivo munatsiri wezvose izvi muChipinge, sekuru Madhinga havana mukana wakaringana wokuti vange vachidzidzisa vamwe VaNdau mumatunhu avo. Tinovaona sorukuvhute runogona kubatanidza vanhu kuruzivo rwakange rwadopera kuparadzwa nevapambepfumi, asi ruzivo irworwo ruzhinji haruzati rwanyorwa pasi. Tinowona zvakakosha kuti ruzivo rwasekuru Madhinga rwurambe rwuchidzidzisa nekupa tariro kuVaNdau uye kuti rwuzivise ruzhinji rweZimbabwe kukosha kwamagariro erudzi urwu.

Kuti izvi zviitike, MiC ichatsigira gwenyambira, mudzidzisi, uye munyori wenhoroondo dzeZimbabwe anonzi Anesu Ndoro paanoshanda pamwe nasekuru Solomon Madhinga kuti vanyore pasi zhira dzakasiyana dzokugadzira zviridzwa zveVaNdau uye vachinyora mhere namadendetso emimhanzi yechivanhu chaVaNdau. Vachatsigirana kugadzira zvishandiso zvokubatsiridza vanhu kugadzira zviridzwa zvomimhanzi yaVaNdau, uye kudzidzira mimhanzi nokuronga zvinyogwa zvaVaNdau kuburikidza nezvinyogwa zvomimhanzi namavhidhiyo. Pamusoro pezvinyogwa izvi, Anesu nasekuru Madhinga vachatsanangura kukosha kwenhoroondo dzezviridzwa izvi uye mabasa azvinobata muvupenyu hwavanhu.
Nokuburikidza nebasa iri rakakosha, Anesu achavhenekera zvakasimba zviitiko zvomimhanzi zvinobva kunduzi nendudzi dzigere kumahombekombe eZimbabwe uye acharatidza kusiyana-siyana kwemimhanzi yenyika yake yechizvarwa. Panguva yokuti tsvakiridzo zhinji yemimhanzi yechivanhu muZimbabwe ichiri kungoongorora maonero echiShona anobva muguta guru reHarare, basa raAnesu rinoputsa miganhu nokutarira mhando zhinji dzenhaka dzinowanikwa mukati menyika. Kuita izvi kunobatsira kukuva zhira itsva dzokuti VaNdau vazvimiririre patsika dzavo uye vatsvakurudzi vakawanda pamwe nevanodakarira mimhanzi yeChiShona pasi rose vacherechedze hupfumi hwemimhanzi yakawanda yemadzinza eZimbabwe.
MiC inodakara kubatsira kufambisa shoko irero kuburikidza nokuchengetedza ruzivo urwu rwakakosha mudhatabhesi remakompiyuta uye nokutsika madambarefu emaCD namaDVD ane twubhuku. Mushure mokuburitswa, MiC ichabatsira mukugovera makopi emahara muzvikoro, kumahweretabhuku, uye nzvimbo dzenharaunda dzine chekuita nemimhanzi muZimbabwe sechikamu chokudzidzisa zvichtungamirirwa naAnesu nasekuru Madhinga, zvichibvumira VaNdau mukana wekudzidza nezvetsika dzavo dzomimhanzi, kuitira kuti ruzivo urwu ruenderere mberi ruchivashandira kwemadzinza anotevera.
Sangana neVatariri vePurojekiti

Anesu Ndoro ane hunyanzvi mukugadzira zviridzwa zvemimhanzi, mukudzidzisa vadoko kuridza zviridzwa uyewo achiridzwa zviridzwa zvakasiyana-siyana pachake. Anoongorora tsvakiridzo pamusoro pokugadziriswa patsva kwemimhanzi yechivanhu, kudyidzana pakati pezviridzwa zvekuMadokero nezvemuAfrica, pamwe nokusimudzira nokuvumbiridza mimhanzi yakachengetedzwa muzvinyogwa zvekare zveZimbabwe. Akadzidza chikoro akabuda nedhigiri reAnthropology, akashava somudzidzisi weTraditional African Music and Dances paUSAP Community School, uye akabatawo basa soMutariri mudare reTariro Trust Zimbabwe. Kuburikidza nokugovera kwezviratidzo zvemimhanzi uye zvinyogwa zvine chokuita nezviridzwa zvechivanhu zvomuZimbabwe, VaNdoro vari kushanda nesimba kuti vasimudzire nokuchengetedza tsika nemagariro akapfuma eZimbabwe, vachirerekera pakufundisa uye kuendesa nhaka iyi kune zvizvarwa zvitsva zvevechidokoi veZimbabwe.