Ngoma dzaVaNdau
Ngoma dzaVaNdau zvinobhuya ’mhanzi yeVaNdau’, boka reandu anorekete chiNdau vanogare kumabirirazuwa kwakaxhonde kumabudirezuwa kweZimbabwe atei kobate Mozambique, kusanganisira ndau dzakadai ngekwana Chimanimani neChipinge. Pakauye mabhunu kotore minda nekuparidza zvaJeso mundau idzi vakarumbirire vaNdau Kubve mumiganga yavo kwako vatsvete mumakipi. Mabhunu akarambidze andu kuziya ngezvematongerwe enyika, uyehe akatorera andu pfuma yawo kwakuondonga magariro eandu. Andu asinemabvi akarambidze andu kuite chiandu chavo vachiapishira nekutora zviridzwa zvavo. Andu akawanda asina kupoya pamukuwo uyu akakomekedzwa kuite zveChikirisitu uye kurasha mhanzi, undu, nemararamiro. Kunyangwe zvazvo nyamashi mandau ari mashoma muZimbabwe, andu munyika yeshe vanokarakadze mutauro wavo wakatsauka neundu hwavo. Ngekuda kwekunzaiswa mumukuwo wekupambwa uyewo kusaremekedzwa mumukuwo wekuchicha, undu hwevaNdau huripakakomekedzeka ngekuda kwe undu hwemabhunu uye ruzhinji rwemashona.
Zvisineyi hazvo nekuneseka kweshe uku, Sekuru Solomon Madhinga(sekuru aMadhinga);(sekuru izina rekuremekedza musharukwa wemundu ane kuziya kwakadzama ngezvechiandu chedu) akafunde kunasira, kuridza nekuyemba zviridzwa zveaNdau zveibvengekunabambo awo. Nyamushi mundu anozikanwa ngekuridza nekuemba ngoma dzechiandu achigare kundau yeChipinge munyika yeZimbabwe. Musharukwa uyu ngeumweni weandu ashoma asara anoringira ngezveNgoma dzeaNdau uyehe anenge wekugumirisira paandu ane unyanzvi hwekunasira mbira dzeaNdau, ngoma dzadai ngeMbongo neTangi pamwepo nezviridzwa zveuta zvakadainge Chizambi, Chimwandigoda neChitende. Anofundisahe muchongoyo, chokoto nembongo inowa mitambo isingachangoonekwi peshe peshe nyamushi. Kunyangwe hazvo vari mundu wakagondeka uye anoshande ngesimba muzvirongedzwa nezviitwa izvi mundau yeChipinge, musharukwa uyu aMadhinga aana chikuva chakakura chekufundisire andu emuganga weshe. Kubeni ndiye mundu wasara unuziye chiandu chomanikidzwe kupera uyehe mishando yakwe mizhinji ainabharwe pashi. Zvakabakosha maningi kuti kuziya kwemusharukwa uyu aMadhinga kufundiswe maNdau mundau yavo, uyezve nekukarakadza andu paundu hwavo munyika yeZimbabwe.

Kupedze izvi, MiC ichadetsere muyembi, mufundisi uyehe mubhari wenhorondo yendau, Anesu Ndoro, ngekuti unowadzane nemusharukwa uyu Solomon Madhinga. Vachabhare manasirirwo anoitwe zviridzwa zvakatsauka uyehe kurekodha maakirwo emimhanzi nemimhanzi yevaNdau yakhona. Pamwepo vachanasire maturuzi anoshandiswa ngeandu pakufunda kunadzire zviridzwa zveaNdau, uyehe kufundire mumhanzi yeaNdau pamwepo nekuakwa kwayo veishandise zvirekodhwa nemifananidzo. Zvirekodhwa pamwepo nezvinasirwa zvichatsanangurwe zvineudzamu ndiAnesu nemusharukwa uyu Sekuru Madhinga kubvire pasichinyakare, ukoshwa hwazvo kumagariro neundu hwevandau. Zvichashandiswahe kudetsera andu pakufundire zviridzwa izvi.
Kudarikidze ngemushando wakaba kosha kudai uyu, aNdoro achababasire mwenje kuandu ngemimbanzi yekumicheto kwenyika yeZimbabwe achabakombesa kuvhenganidzwa kwenyika yawo. Chero hazvo tsakurudzo zhinji dzakaxhondane nemimbanzi yekumadhorobha makuru kudai ngeHarare, aNdoro adambure miganhu ngekuringira maningi mivhenganiswa yeundu nemimbanzi yemunyika yeshe. Ngekuiteizvi achadetsera kumusidzire njira tsva kuti aNdau akwanise kuemerera undu hwawo pachidando chekubanze kwenyika uyehe kukokorodza vatsvakurudzi nevanodakarire mimbanzi yechishona pashireshe kuti vaongorore nekuona kupfuma uyehe mivhanganiswa yeundu nemimbanzi inoitwa ngeandu emuZimbabwe.
MiC inodokwairira kudetsera kuhambiswa kweguhwa kudarikidza ngekunasira mudziyo wekuchengetera dzidzo yakakosha maningi iyi pamasaisai uyehe kuishambadza kuandu kuburikidza ngemadhisiki ,maDVD pamwepo nemabhuku. Kana vachinge vashambadza, MiC ichadetsera ngekuparura ichipe andu mifanikidzo yakafanira kuzvikora, matura emabhuku uyehe ndau dzekudzidzira dzemunyika yeZimbabwe. Chikamu chezvirongwa izvi chichahambiswa ndiaNdoro nasekuru Madhinga, vachatendera andu emundau mukana wekuwadzana nemumhanzi yeundu hwavo kuitira kuti dzidzo iyi iangire kutekeshera nekuponesa vechidoko uyehe vachateera.
Dhibanayi nevaridzi (vechiro)ngwa ichi

VaAnesu Ndoro mukororo wemuZimbabwe anonasire zviridzwa, mufundisi wemimnhanzi uyehe muridzi wezviridzwa zvakawanda arihe mundu anoangagarara nekuumba nekurongedza mumhanzi yechiandu muundu hwakasiyana siyana achibhuya kudarikidza ngezviridzwa zvakasiyana siyana pakati pechiandu chevatema. VaNdoro vanoitahe zvekumurudzira mimhanzi yechinyakare iri munhorondo dzepashichigare dzeZimbabwe. Veneruzivo rwezvemagariro eandu kubudarikidza nezvavakafunda zveAntropology, uyehe nyamushi ndivovanofundisa mitambo nekuemba zvechiandu chedu(Traditional African Music and Dance) pachikora chinozwiUSAP Community School, uyehe inhengo yeboka guru revaringiri reTariro Trust Zimbabwe. Kubvire mukuchinjane mitambo nekubhuya ngezvezviridzwa zvechiandu chedu cheZimabwe, VaNdoro vanoshambadza nekumurudzira undu nemagariro emuZimbabwe akabapfuma kunevechidoko.